Munhu ane hurema
Munhu ane hurema anenge asingakwanise kuita zvinhu zvizhinji zvinoitwa nevamwe vanhu. Munhu akaremara, haasekwi. Wakaseka munhu akaremara unoita matambudziko muupenyu hwako. Ndosaka vakuru vakati sekuru urema wafa.
Rumbidzai mwanasikana ane makore gumi. Rumbidzai ane hurema hwekusaona. Munhu asingaoni anonzi bofu. Akaita tsaona aine makore mapfumbamwe. Mwanasikana uyu anogara nevabereki vake vose vanova ananyakutumbura. Aisakwanisa kuenda kunzvimbo dzaida nekuda kwehurema hwake, asi amai vake vaimuudza kuti pfavira nyama husiku hurefu zvakare chirema chose chine mazano.
Kunyange asingaone, Rumbidzai aifumobata jongwe muromo kuenda kuchikoro. Rumbidzai aigona chikoro chose. Iye pachake aigona kusuka mandiro, kuwacha nhumbi kana kutsvaira pachivanze. Rumbidzai aisekwa nevamwe vana asi iye anoramba akaisa zvimiti munzeve.
Rumbidzai itsvarakadenga kunyange asingaone anogara akachena sengirozi. Aigona kuita mamwe mabasa aiitwa nevana vaiona. Vabereki vake vanomuda uye anodada nevabereki vake. Izvi zvaida kuzvionera pamhino sefodya nokuti kutaurirwa hunyimwa sembare dekumusana.