Edit Content

Imagine Greatness — The Future Begins Here

At Specialists Junior School (SJS) we believe every child is capable of greatness.
From ECD to Grade 7, we provide a safe, vibrant space where curiosity thrives, character is built, and learning connects to real-world challenges.

Muchato wandakaona

Waiva musi wa18 Gumiguru patakafumo bata jongwe muromo kuenda kumuchato wamukoma wangu Munyaradzi netsvarakadenga yavo Nyasha.

Takasvika nguva dzemashambanzou, takaita chipata-pata kubatsira kurongedza zvemuchato. Vanhu vaiva mavhu nemarara zvekuti ukarasa mwana haumbomuona. Vachati vakanga vachena zvikuru musikana aiva akachena sengirozi uye mukoma Munyaradzi vaive vakachena sebhiza ari masikati.

Mufundisi vasvika, vakatanga kunamata, vapedza kunamata vabva vatanga kuparidza ndokubva vachati vachata.

Yasvika nguva yekudya vanhu vakadya kusvikira matumbu oita seachaputika. Vanononwa hwahwa vakanwa kusvika vararadza. Vanhu pavakapedza kudya vakatanga kubvisa zvipo, vanogona kutamba vaingodzana mumhanzi, ichidandairwa.

Dzavanguva dzemadeuka zuva, mufundisi akatenda vanhu vose vaivapo pamuchato ndokubva vanhu vaparadzana. Muchato ndokubva wapera.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *